Exodus 26

Tabhenakeri

1“Uite tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko. 2Zvidzitiro zvose zvinofanira kuva zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere
mamita angaita 13
uye makubhiti mana
mamita angaita 1.8
paupamhi.
3Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo nezvimwe zvishanu. 4Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wechidzitiro zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nechidzitiro chokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa. 5Uite zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wechidzitiro chezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe. 6Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza zvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.

7“Uite zvidzitiro zvamakushe embudzi zvetende riri pamusoro petabhenakeri, zvose zvive gumi nerimwe pamwe chete. 8Zvidzitiro zvose zviri gumi nerimwe zvinofanira kuenzana, makubhiti makumi matatu
mamita angaita 13.5
pakureba uye makubhiti mana
mamita angaita 1.8
paupamhi.
9Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete zviite chinhu chimwe chete uye zvimwe zvitanhatu zvivewo chinhu chimwe chete. Upete chidzitiro chechitanhatu kaviri pamberi petende. 10Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wechidzitiro chokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wechidzitiro chokumucheto kwezvimwe zvakabatanidzwa. 11Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete. 12Kana zviri zvokuwedzera urefu hwezvidzitiro zvetende, hafu yechidzitiro inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri. 13Zvidzitiro zvetende zvinofanira kurebesa nekubhiti rimwe chete
0.5 yemita
pamativi ose ari maviri; zvinenge zvasara zvinofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti zvigoifukidza.
14Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondobwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa.

15“Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuunga. 16Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumi
mamita angaita 4.5
uye kubhiti nehafu
0.7 yemita
paupamhi,
17nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi. 18Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri 19uye uite zvigadziko zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe. 20Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri, 21uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. 22Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri, 23uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto. 24Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaave saizvozvo. 25Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

26“Uyewo uite mbariro dzamatanda omuunga: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri, 27shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri. 28Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga. 29Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.

30“Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.

31“Uite chidzitiro chebhuruu, nechepepuru nechitsvuku chomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo nenyanzvi yokusona. 32Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuunga akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha. 33Urembedze chidzitiro pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa nzvimbo tsvene nevnzvimbo tsvene-tsvene. 34Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri munzvimbo tsvene-tsvene. 35Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi.

36“Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona. 37Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuunga akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.

Copyright information for SnaBDSC